Exodus 18

Jeturo anoshanyira Mozisi

1Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti.

2Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora 3navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;” 4uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.”

5Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari. 6Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”

7Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara vake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende. 8Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.

9Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita. 10Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita. 11Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.” 12Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.

13Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana. 14Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”

15Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari. 16Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”

17Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. 18Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. 19Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari. 20Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. 21Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. 22Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. 23Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.”

24Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. 25Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. 26Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo.

27Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

Copyright information for SnaBDSC